Mvura yenguva ino kunaka nekuipa kwayo
Varimi vazhinji varikubvunza kuti mvura irikunaya munguva ino ye gore yakanaka here.
Ndingagngoti mundangariro dzangu pane gore rakanaya mvura kusvikira muna Chikumi kana kuti June muchingezi zvichireva kuti iri harizi shura zvinhu zvinoitika zvichifambirana nokushanduka kwemwaka uye mamiriro ekunze.
Tikatarisisa nyika yedu ichirikuda mvura zvakanyanya kuitira kuti madhamu nenzizi zvizare kunyanya takatarisana nemwaka wekurima gorosi nezvimwewo zvirimwa zvemuchando zvinoda madiridziro uye nemafuro.
Tochitarisa kumibvunzo yevarimi vakawanda. Tinoona kuti mvura yanaya zvakanyanya munguva yekukohwa izvo zvinogona kukanganisa goho remurimi.
Kana mvura ikaramba ichinaya uye denga rakakwidibira kwenguva refu hunyoro ihwohwo hunugona kukanganisa goho ranga rakanaka.
Naizvozvo tinoona kuti mbesa dziya dzinooma dzakatarisa mudenga uye dzine miromo yakavhurika ndidzo dzinonyanyotanga kukanganisika. Apa murimi anoonawo kuti mbesa inooma, yokotama yakavharika kuchirebvu hainyanyi kuvhiringika sezvo mvura nehunyoro hazvipindi mukati.
Kunyangwe kukanaya kwemazuva matatu kana mana zvakanaka asi panozodawo kuti kuite zuva nemhepo inoomesa mbesa kuitira kuti tisarasikirwa nemari.
Chokupedzisira tinokurudzira varimi kuti kana mbesa dzenyu dzaibva uye dzaoma zvakakosha kudzikohwa nenguva modzichengetedza zvakanaka kuitira kuti tisarasikirwe nemari iri mugoho redu.
Kuvarimi venzungu kana dzaibva munogona kukohwa nokuti pasi panenge papfava asi mukanonokera nzungu idzodzo dzinomera zvakare zvichireva kuti hadzizonaki sezvadzaifanira kuita uye goho racho rinozopawo muripo mushoma pakutengesa.



